| Shona |
|
Nhanganyaya
Shanduro yeBhaibheri
Shanduro yeBhaibheri
Maererano neTrinitarian Bible Society {TBS}Trinitarian Bible Society isangano rakaumbwa mugore ra1831 riri sangano rinosanganisa masangano emakereke akasiyana siyana kuti ripe vanhu vakapoteredza pasi rose Magwaro matsvene akatendeka uye asina mhosho kubva muzvinyorwa zveBhaibheri zvendimi dzemabviro zvakanaka kupfuura zvimwe zvose. Kubvira pazuva remusangano wekuparurwa kwesangano iri mugore ra1831 takaona ruoko rwaMwari pamusoro pebasa iri kubudikidza nesanduko zhinji dzatakasangana nadzo. Zvakadaro pane chinhu chimwe chete chinoramba chisingasanduki kubva pamusangano wekuparurwa kwesangano, chinhu ichi chisingasanduki chinangwa chedu. Chinangwa cheSangano iri ndechekusimudzira kurumbidzwa kwaMwari uye ruponeso rwevanhu kubudikidza nekufambisa Magwaro Matsvene akapiwa kubudikidza nekufemerwa naMwari kwese-kwese, zvose munyika yedu nemhiri kwemakungwa, tine chivimbo chemaropafadzo ekumusoro. Magwaro Matvene aya ane simba rekupa njere dzinosvitsa munhu muruponeso kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu. Kusvikira parizvino sangano reTrinitarian Bible Society rine maBhaibheri akapindurirwa mune dzimwe ndimi kana ari kudzokororwa neari munzira anopfuura makumi mana. Patinogoneswa napo tinopindura ndimi kubva kundimi dzemabviro, rurimi rwechiHebheru rweHebrew Masoretic pa Tesitamende yekare uye rurimi rwechiGiriki rweReceived Text paTesitamende Itsva. Tinoshandisa nzira yekudzura rurimi shoko neshoko inonzi formal equivalence kuitira kuti vapinduri vedu vave pedo kwazvo kwazvo neMagwaro akafemerwa neWekumusoro. Kana kupindurwa kwerurimi kana kuti kudzokororwa kweBhaibheri kuchinge kwapera, tinoenda pakudhindwa nekugoverwa kweMagwaro sekubatsirwa kwedu naIshe. Tinosimudzirawo Magwaro akapindurwa rurimi zvisina mhosho uye zvinovimbika. Pane dzimwe nguva, kupindurwa kwerurimi kunoitwa neTrinitarian Bible Society, asi pane dzimwe nguva kupindurwa kwerurimi kunoitwa kuchishandiswa magwaro endimi dzemabviro akanaka kupfuura amwe nevamwewo. Zvino pane zvose tinoramba takabatirira padzidziso dzekupikisa kubuda mushoko raMwari {protestantism} dzeMagwaro Matvene neUtatu Umwe HwaMwari utsvene. Bhaibheri rakapindurirwa rurimi muchiShonaMumwedzi waNdira mugore ra2009, basa rakadzama rakatangwa kupindura Magwaro erurimi rwechiGiriki eReceived Text kuenda kururimi rweShona Union. Chinangwa chekupindurwa kwerurimi uku ndechekupa vanhu vanotaura rurimi rwechiShona Bhaibheri rakavimbika uye risina mhosho mururimi rwakagadziriswa kuenderana neMagwaro eReceived Text. Zvakafadza Ishe kutendera kudindwa kweMagwaro eTesitamende Itsva anosvika zvuru makumi mana akadzokororwa mugore ra2014. Matesitamende awa akatogoverwa kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzine vanhu vanotaura rurimi rwechiShona. Rurimi rwechiShona rwunosanganisira ndiminyana dzakawanda dzineukama hwekunzwana asi pane shanu dzinogamuchirwa muzvinyorwa. Zvinofadza chose kuziviswa kuti rurimi rwakashandiswa nevapinduri vedu verurimi rwakatambirwa nendiminyana dzose dziri shanu. Boka revapinduri verurimi vechiShona rakapedza basa raro pakupera kwegore ra2018. Mushure mekutevedzwa ongororo inoitwa pakuenzanisa mitauro nezvakapindurwa muMagwaro eBhaibheri, Bhaibheri rechiShona rakagamuchirwa nekomiti yeTrinitarian Bible Society muna Zvita gore ra2018. Bhaibheri rechiShona rakadhindwa muna 2020 uye maBhaibheri mazvinji ari kuenda kuZimbabwe. Shamba
|